2026 Theme – SAYING YES to Living in Covenant with the Living God
- Sermon By: Pastor Chiparaushe
- Categories: Annual Theme, Featured
2026 igore rakanaka chaizvo. Ishe varikushuvira hukama hwakadzama nemumwe nemumwe wedu sedungamunhu. Shungu dzake ndedzekuti tibvume kurarama musungano naye. Kana tabvuma iye ndiye achatibatsira, otishandura kuti tive zvaarikuda kuti tive. Ari kutikoka kuti tiuye kwaari, titakure joko rake uye kuti tidzidze kubva kwaari. Iye achazorodza mweya yedu.



